1
Mapisarema 37:4
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.
Compare
Explore Mapisarema 37:4
2
Mapisarema 37:5
Isa nzira yako kuna Jehovha; Vimbawo naye, iye achazviita.
Explore Mapisarema 37:5
3
Mapisarema 37:7
Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; Usava neshungu pamusoro poanofara panzira yake, Pamusoro pomunhu anoita mano akaipa aakafunga.
Explore Mapisarema 37:7
4
Mapisarema 37:3
Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka.
Explore Mapisarema 37:3
5
Mapisarema 37:23-24
Mufambiro womunhu unosimbiswa naJehovha; Unofarikana munzira yake. Kunyange akawa, haangawiswi chose; Nokuti Jehovha anomutsigira noruoko rwake.
Explore Mapisarema 37:23-24
6
Mapisarema 37:6
Iye achabudisa kururama kwako sechiedza, Nokururamisirwa kwako samasikati.
Explore Mapisarema 37:6
7
Mapisarema 37:8
Rega kutsamwa, urashe hasha; Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.
Explore Mapisarema 37:8
8
Mapisarema 37:25
Ndakanga ndiri muduku, zvino ndakwegura; Kunyange zvakadaro handina kutongoona akarurama achisiyiwa, Kana vana vake vachipemha zvokudya.
Explore Mapisarema 37:25
9
Mapisarema 37:1
Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama.
Explore Mapisarema 37:1
Home
Bible
Plans
Videos