1
Zvirevo 11:25
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Chipavurire achakodzwa; Uye anodiridza achadiridzwawo.
Compare
Explore Zvirevo 11:25
2
Zvirevo 11:24
Mumwe ariko anoparadzira, achiwedzerwa; Uye ariko anonyima zvaakafanira kupa, asi zvinongomushaisa.
Explore Zvirevo 11:24
3
Zvirevo 11:2
Kana kuzvikudza kuchisvika, kunyadziswa kwasvikawo; Asi uchenjeri huri kuna vanozvininipisa.
Explore Zvirevo 11:2
4
Zvirevo 11:14
Kana vanhu vasingatungamirirwi nouchenjeri, vanoderera; Asi pavarairiri vazhinji ndipo pano ruponeso.
Explore Zvirevo 11:14
5
Zvirevo 11:30
Zvibereko zvowakarurama muti womupenyu; Unobata mweya yavanhu ndiye wakachenjera.
Explore Zvirevo 11:30
6
Zvirevo 11:13
Anofamba ana makuhwa, anobudisa zvakavanda; Asi ano mwoyo wakatendeka, anofukidza mhaka.
Explore Zvirevo 11:13
7
Zvirevo 11:17
Munhu ane ngoni, anoitira mweya wake zvakanaka; Asi asina tsitsi anotambudza nyama yake.
Explore Zvirevo 11:17
8
Zvirevo 11:28
Anovimba nepfuma yake, achawa; Asi vakarurama vachanaka seshizha nyoro.
Explore Zvirevo 11:28
9
Zvirevo 11:4
Pfuma haibatsiri chinhu nezuva rokutsamwa; Asi kururama kunorwira parufu.
Explore Zvirevo 11:4
10
Zvirevo 11:3
Kusanyengedzera kwavakarurama kuchavatungamirira; Asi kusarurama kwavanonyengedzera kuchaparadza.
Explore Zvirevo 11:3
11
Zvirevo 11:22
Sezvakaita chindori chendarama mumhino dzenguruve, Ndizvo zvakaita mukadzi wakanaka kumeso asina kungwara.
Explore Zvirevo 11:22
12
Zvirevo 11:1
Chiyero chinonyengedzera chinonyangadza kuna Jehovha; Asi kurema kwakakwana kunomufadza.
Explore Zvirevo 11:1