1
Mako 8:35
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu nokweVhangeri, achahuponesa.
Compare
Explore Mako 8:35
2
Mako 8:36
“Nokuti munhu achagobatsirweiko, kana awana nyika yose, akarasikirwa noupenyu hwake?
Explore Mako 8:36
3
Mako 8:34
Zvino akadanira kwaari vanhu vazhinji navadzidzi vake, akati kwavari, “Kana munhu achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
Explore Mako 8:34
4
Mako 8:37-38
Nokuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake? Nokuti ani naani anonyara pamusoro pamashoko angu parudzi urwu rwohupombwe norwokutadza, Mwanakomana womunhu achanyarawo pamusoro pake, musi waanouya navatumwa vatsvene nokubwinya kwaBaba vake.”
Explore Mako 8:37-38
5
Mako 8:29
Zvino akavabvunza, akati, “Ko imi munoti ndini ani?” Petirosi akapindura, akati kwaari, “Ndimi Kristu.”
Explore Mako 8:29