1
Isaya 45:3
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
ndichakupa pfuma iri murima, noupfumi hwakavanzwa panzvimbo dzisingazikanwi, kuti uzive kuti ndini Jehovha, Mwari waIsiraeri, anokudana nezita rako.
Compare
Explore Isaya 45:3
2
Isaya 45:2
“Ini ndichaenda pamberi pako, ndichienzanisa pasina kuenzana; ndichaputsa-putsa misuo yendarira, nokugura-gura mipfigo yendarama
Explore Isaya 45:2
3
Isaya 45:5-6
Ndini Jehovha, hakuna mumwe; kunze kwangu hakuna mumwe Mwari. Ndichakusunga chiuno kunyange usina kundiziva; kuti vazive kubva kumabvazuva nokumavirazuva, kuti hakuna mumwe kunze kwangu; ndini Jehovha, hakuna mumwe.
Explore Isaya 45:5-6
4
Isaya 45:7
Ndini ndinoumba chiedza, nokusika rima; ndinoita rugare, nokusika njodzi; ndini Jehovha, anoita zvinhu izvi zvose.
Explore Isaya 45:7
5
Isaya 45:22
Tarirai kwandiri muponeswe, imi mativi ose enyika; nokuti ndini Mwari, hakuna mumwe.
Explore Isaya 45:22
6
Isaya 45:1
Zvanzi naJehovha kumuzodzwa wake, kuna Koreshi, wandakabata ruoko rwake rworudyi, kuti ndikunde marudzi avanhu pamberi pake, ndichisunungura zviuno zvamadzimambo, ndimuzarurire misuo pamberi pake, namasuo arege kuzarirwa.
Explore Isaya 45:1
7
Isaya 45:23
Ndakapika neni ndimene, shoko rabuda mumuromo mangu nokururama, haringadzoki, kuti mabvi ose achandipfugamira, marimi ose achapika neni.
Explore Isaya 45:23
8
Isaya 45:4
Nokuda kwaJakobho muranda wangu, nokwaIsiraeri musanangurwa wangu, ndakakudana nezita rako, ndakakutumidza zita rakanaka, kunyange wakanga usingandizivi.
Explore Isaya 45:4