1
Isaya 26:3
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
“Anomwoyo wakasimba muchamuchengeta murugare rukuru, nokuti anovimba nemi.
Compare
Explore Isaya 26:3
2
Isaya 26:4
Vimbai naJehovha nokusingaperi, iye Jehovha ndiye dombo nokusingaperi.
Explore Isaya 26:4
3
Isaya 26:9
Ndakakushuvai nomweya wangu usiku; zvirokwazvo, ndichakutsvakai zvikuru nomweya wangu uri mukati mangu; nokuti kana kutonga kwenyu kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.
Explore Isaya 26:9
4
Isaya 26:12
Jehovha, imi muchatigadzirira rugare; nokuti makatibatirawo mabasa edu ose.
Explore Isaya 26:12
5
Isaya 26:8
Zvirokwazvo, takakumirirai Jehovha, panzira yokutonga kwenyu; mweya yedu inoshuva zita renyu nechirangaridzo chenyu.
Explore Isaya 26:8
6
Isaya 26:7
Nzira yavakarurama yakarurama; imi munoruramisa nzira yavakarurama.
Explore Isaya 26:7
7
Isaya 26:5
Nokuti akaderedza vagere pakakwirira, iro guta riri kumusoro; anorideredza, anorideredza kusvikira pavhu; anoriputsira pasi muguruva.
Explore Isaya 26:5
8
Isaya 26:2
Zarurai masuo, kuti rudzi rwakarurama, runochengeta chokwadi, rupinde.
Explore Isaya 26:2