1
Isaya 1:18
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
“Chiuyai zvino, titaurirane, ndizvo zvinotaura Jehovha; kunyange zvivi zvenyu zvikaita somucheka mutsvuku, zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
Compare
Explore Isaya 1:18
2
Isaya 1:19
“Kana muchida, muchiteerera, muchadya zvakanaka zvenyika
Explore Isaya 1:19
3
Isaya 1:17
dzidzai kuita zvakanaka; tsvakai kururamisira, batsirai vanomanikidzwa, ruramisirai nherera, mureverere chirikadzi.”
Explore Isaya 1:17
4
Isaya 1:20
asi kana muchiramba, muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo; nokuti muromo waJehovha wakataura izvozvo.”
Explore Isaya 1:20
5
Isaya 1:16
Shambai; muzvinatse; bvisai zvakaipa zvamabasa enyu pamberi pangu; regai kuramba muchiita zvakaipa
Explore Isaya 1:16
6
Isaya 1:15
“Kana muchitambanudza maoko enyu, ndichakuvanzirai chiso changu; zvirokwazvo, kana muchiwanza minyengetero, handinganzwi; maoko enyu azere neropa
Explore Isaya 1:15
7
Isaya 1:13
Musazouyazve nezvipo zvisina maturo; zvinonhuwira zvinondinyangadza; nguva dzokugara kwomwedzi nedzamaSabata, nedzokukokera ungano, handizvidi; zvakaipa, kunyange neungano tsvene.
Explore Isaya 1:13
8
Isaya 1:3
Nzombe inoziva muridzi wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Isiraeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.”
Explore Isaya 1:3
9
Isaya 1:14
“Nguva dzenyu dzokugara kwomwedzi nemitambo yenyu zvinovengwa nomweya wangu; zvinondinetsa; ndaneta nokutambudzika nazvo.
Explore Isaya 1:14