1
Mabasa 16:31
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Vakati, “Tenda kuna Ishe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.”
Compare
Explore Mabasa 16:31
2
Mabasa 16:25-26
Zvino panenge pakati pousiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavateerera. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo misuo yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
Explore Mabasa 16:25-26
3
Mabasa 16:30
akavabudisira kunze, akati, “Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?”
Explore Mabasa 16:30
4
Mabasa 16:27-28
Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzviuraya, achiti vasungwa vatiza. Ipapo Pauro akadanidzira nezwi guru, akati, “Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.”
Explore Mabasa 16:27-28