1
1 Johani 3:18
Shona Bible 1949, revised 2002
SNA2002
Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.
Compare
Explore 1 Johani 3:18
2
1 Johani 3:16
Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti akatipa upenyu hwake; nesuo tinofanira kupa hama upenyu hwedu.
Explore 1 Johani 3:16
3
1 Johani 3:1
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye.
Explore 1 Johani 3:1
4
1 Johani 3:8
Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori.
Explore 1 Johani 3:8
5
1 Johani 3:9
Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti akaberekwa naMwari.
Explore 1 Johani 3:9
6
1 Johani 3:17
Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari?
Explore 1 Johani 3:17
7
1 Johani 3:24
Anochengeta mirayiro yake, anogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti anogara matiri; noMweya waakatipa.
Explore 1 Johani 3:24
8
1 Johani 3:10
Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.
Explore 1 Johani 3:10
9
1 Johani 3:11
Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane
Explore 1 Johani 3:11
10
1 Johani 3:13
Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai.
Explore 1 Johani 3:13