1
Maraki 3:10
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Ʋuyai neɀegumi ɀose muimba yokuʋigira, kuti ɀokudya ɀiʋe’po mumba maŋgu, mundiidze naiɀoɀi ɀino — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — muʋone kana ndisiŋgakuzaruriyi mawindi okuɗeŋga, ndikakuɗururirai mukomborero wamucashaiwa pokuisa.
Compare
Explore Maraki 3:10
2
Maraki 3:11-12
Ndicatuka ʋo ʋudyi nokuɗa kwenyu, ʋurege kuparadza ɀiɓereko ɀeminda yenyu; nemizambiriŋga yenyu haiŋgazuki ɀiɓereko ɀayo mumunda, ŋguʋa isati yaȿika — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. Ndudzi dzose dzicati muri ʋanhu ʋakafara; nokuti mucaʋa nyika inofadza — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Explore Maraki 3:11-12
3
Maraki 3:17-18
Ʋacaʋa ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — iʋo ʋaŋgu caiʋo, nezuʋa randicaɀiita; ndicaʋanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mŋanakomana wake unomuɓatira. Ipapo mucaʋona ɀe kusiyana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mŋari nousiŋgamushumiri.
Explore Maraki 3:17-18
4
Maraki 3:1
Tarirai, ndinotuma nhume yaŋgu, iye ucandigadzirira nzira yaŋgu pamberi paŋgu; ipapo Ishe, wamunotȿaka, ucaȿika pakarepo patembere yake, iye Mutumŋa wesuŋgano, wamunoshuʋa, tarirai, unoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo.
Explore Maraki 3:1
Home
Bible
Plans
Videos