Vatongi 7:5-6
Vatongi 7:5-6 SUB
Ipapo akaenda navanhu kumvura; Jehovha akati kuna Gidheoni, “Mumwe nomumwe unokapa mvura norurimi sezvinokapa imbwa, unofanira kumuisa kurutivi ari oga; saizvozvowo mumwe nomumwe unopfugama pamabvi ake pakunwa.” Zvino vanhu vakanga vakapa, vachiisa maoko avo kumiromo, vakasvika varume vana mazana matatu; asi vamwe vose vakapfugama pamabvi avo pakunwa mvura.


