1
Numeri 13:30
Shona BIBLE
SUB
Ipapo Karebhu akanyaradza vanhu pamberi paMosesi akati, “Ngatikwire pakarepo, tindoitora, nokuti tinogona kwazvo kuikunda.”
เปรียบเทียบ
สำรวจ Numeri 13:30
2
Numeri 13:33
Ikoko takaona vaNefirimu varefu–refu, vana VaAnaki, vakazvarwa naVaNefirimu, takazvitarisa takazviona kunege mhashu, ukuwo, ndiko kutaridzika kwataiita kwavari.”
สำรวจ Numeri 13:33
3
Numeri 13:31
Asi vamwe varume vakanga vakwira naye, vakati, “Hatigoni kukwira kundorwa navanhu avo, nokuti vanotikurira nesimba.”
สำรวจ Numeri 13:31
4
Numeri 13:32
Naizvozvo vakauya kuvana VaIsiraeri neshoko rakaipa pamusoro penyika iyo, yavakanga vaenda kundoisora, vachiti, “Nyika iyo yatakapfuura napakati payo tichiisora, inyika inopedza vanhu vageremo; vanhu vose vatakaonamo vaiva varume vakakura kwazvo.
สำรวจ Numeri 13:32
5
Numeri 13:27
Vakamuudza, vakati, “Takaenda kunyika iyo kwamakatituma; zvirokwazvo inoyerera mukaka nouchi; izvi ndizvo zvibereko zvayo.
สำรวจ Numeri 13:27
6
Numeri 13:28
Asi vanhu vagere munyika iyo vane simba, maguta akakombwa namasvingo, makuru kwazvo; uye, takaonapo vana vaAnaki.
สำรวจ Numeri 13:28
7
Numeri 13:29
VaAmareki vagere munyika necheZasi, navaHeti, navaJebhusi, navaAmori vagere mumakomo; vaKenani vagere pagungwa, nokurutivi rwaJodhani.”
สำรวจ Numeri 13:29
8
Numeri 13:26
Vakasvika kuna Mosesi naAroni neungano yose yavana VaIsiraeri, murenje reParani paKadheshi, vakavaudza mashoko nokuvaratidza ivo neungano yose zvibereko zvenyika iyo.
สำรวจ Numeri 13:26