1
Joshua 10:13
Shona BIBLE
SUB
Zuva rikamira, nomwedzi ukarambirapo, Kusvikira rudzi rwatsiva vavengi varwo. Izvi hazvina kunyorwa here muBhuku yaJashari? Zuva rikaramba rimire pakati pedenga, rikasakurumidza kuvira nguva yakaita sezuva rose.
เปรียบเทียบ
สำรวจ Joshua 10:13
2
Joshua 10:12
Zvino Joshua akataura naJehovha nomusi Jehovha waakaisa VaAmori mumaoko avana VaIsiraeri, akati pamberi paVaIsiraeri, “Iwe zuva mira pamusoro peGibheoni, Newe mwedzi pamupata weAijaroni.”
สำรวจ Joshua 10:12
3
Joshua 10:14
Hakuna kumbova nezuva rakadaro kubva pakutanga kana shure kwaro, kuti Jehovha akateerera izwi romunhu; nokuti Jehovha akarwira VaIsiraeri.
สำรวจ Joshua 10:14
4
Joshua 10:8
Jehovha akati kuna Joshua, “Usavatya, nokuti ndavaisa mumaoko ako; hakuna munhu uchagona kumira pamberi pako.”
สำรวจ Joshua 10:8
5
Joshua 10:25
Zvino Joshua akati kwavari, “Musatya, kana kuvhunduswa; simbai mutsunge mwoyo, nokuti Jehovha uchaita saizvozvo navavengi venyu vose, vamunorwa navo.”
สำรวจ Joshua 10:25