1
Mariko 8:35
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo; asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake pamusana pangu napamusana peShoko Rakanaka achahuponesa.
Linganisha
Chunguza Mariko 8:35
2
Mariko 8:36
Nokuti zvinobatsirei munhu kuwana zvinhu zvose zvapasi pose asi iye achirasikirwa noupenyu hwake?
Chunguza Mariko 8:36
3
Mariko 8:34
Akazodaidza chita chavanhu pamwechete navadzidzi vake akati kwavari, “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake anditevere.
Chunguza Mariko 8:34
4
Mariko 8:37-38
Nokuti chiiko munhu chaangabvise kuti adzikinure upenyu hwake? Ani naani anondinyara kana kunyara mazwi angu pakati pechizvarwa ichi chenzenza dzavanhu nechavatadzi, Mwanakomana womunhu achamunyarawo musi waanouya aine mbiri yaBaba vake pamwe navatumwa vatsvene.”
Chunguza Mariko 8:37-38
5
Mariko 8:29
Akazovabvunza achiti, “Ko imi, munoti ndini ani?” Pita akapindura achiti, “Imi ndimi Kristu chaiye.”
Chunguza Mariko 8:29
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video