1
Mabasa 20:35
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ”
Linganisha
Chunguza Mabasa 20:35
2
Mabasa 20:24
asi handiverengi upenyu hwangu sehune maturo kana kuti hwakakosha kwandiri chero ndikapedza chinhanho changu nebasa randakapiwa naTenzi Jesu rokupupurira Shoko Rakanaka renyasha dzaMwari.
Chunguza Mabasa 20:24
3
Mabasa 20:28
Zvingwarirei imi pachenyu nedanga rose ramakaitwa vatariri varo naMweya Mutsvene kuti muchengete sangano raMwari raakawana neropa roMwanakomana wake pachake.
Chunguza Mabasa 20:28
4
Mabasa 20:32
Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene.
Chunguza Mabasa 20:32
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video