Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Nyaya yeIsitaChikamu

The Story of Easter

DAY 4 OF 7

Zviise munzvimbo yevatenderi vokutanga munaKristu Jesu vakange varipo pakufa kwake.Mwoyo wako wairwadziwa.Pfungwa dzako dzingadai dzichimhanya.Izvi hazvisizvo zvaifanira kana kuitika kuna Mambo wemaJudha.Aifanira kugadzirisa zvose.Kugadzirisa zvakange zvaputsika.Kudzorera zvakarasika.Asi zvino zvoita kunge zvose zvarasika.Zvose zvaputsika.Hapana chakarurama.Ipa nguva pazuva ranhasi uchiedza kugara pachinzvimbo chiri pakati pemuchinjikwa neguva risina chinhu.Mushure mekunge tarisiro yabva.Nyasha dzisati dzasvika.Shandisa manzwiro iwayo kuti uwedzere mafuta pamunamato wako uchinamatira munhu waunoziva uyo ari kugarapo mazuva ose.Kumbira Mwari vakuratidze kuti ungavaitirei uye ugovakoka kwauri kucherechedza zuva reIsita uri pavhiki rino.
Zuva 3Zuva 5

About this Plan

The Story of Easter

Ungashandisa sei mazuva evhiki rako rekupedzisira kurarama uchinyatsoziva kuti ndiro rekupedzisira?Vhiki rekupedzisira raJesu ari panyama rakange rakazara nezviitiko zvisingakanganwiki,uporofita hwakazadziswa,kunamata kw...

More

Tinoda kutenda Life.Church nekutiwunzira hurongwa uhwu.Kanamuchida kudzidza zvakawanda pamusoro peLife.Church, tapota shanyai: www.Life.Church

Zvirongwa zvakada kufanana neichi

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy