1
Mariko 14:36
KoreKore Bible Translation
KBT
Zvino adoti, “Baba vangu, zvinhu zvese zvinokwanisika kwamuri, biritsai mukombe wakareyu kwandiri. Mbakurege kuva kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 14:38
Garirirai muchinamata kuti mureke kupinda pamuedzo. Mweya unoda zvawene asi nyama idoneta.”
3
Mariko 14:9
Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidziwa Nyaya Idonaka munyika dzese, zvaaita zvichanyaihwa achikumbukiwa nazvo.
4
Mariko 14:34
Zvino adoti kwavari, “Mwoyo wangu udosuwitsa, zvokusvika paipfa, rambai muri pano, mudogaririra.”
5
Mariko 14:22
Vari pakuja daipo Jesu adotora zingwa achiriropafadza. Adorikomora komora achiripasa vadzidzi vache achiti, “Torai, uyu muviri wangu.”
6
Mariko 14:23-24
Adotora mukombe, ndokutenda, adovapasa vachimwa vese pauri. Adoti kwavari, “Aya magazi yangu yochibvumirano yanoteurihwa vazinji.
7
Mariko 14:27
Ipopo Jesu adoti kwavari, “Mese muchandisiya usiku huno, nokuti kudonyohwa kuti, ‘Ndicharova nyakabusa, ipopo hwai dzichapamwara.’
8
Mariko 14:42
Sumukai tiende, onai nyakundipandukira wava papfupi.”
9
Mariko 14:30
Jesu adomupindura achiti, “Chokwadi ndinokunyepa, nasi uchandiramba katatu, usiku ihwohuno, jongwe risati rarira kairi.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo