1
Mariko 13:13
KoreKore Bible Translation
KBT
Muchazondewa novanhu vese nokuda kwangu, asi anochiirira kusvika pakuguma achaponesewa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mariko 13:33
Chenjerai, murindire, ndava hamuzive kuti nguwa inosvika rini.
3
Mariko 13:11
Kana maendesewa kudare, regai kunetseka kuti muchanyairei. Panokwana nguwa yacho ndotaurai zvamunopasiwa. Ndava mashoko yamunonyaira njenyuba, yanobva kuna Mweya Mutsvene.
4
Mariko 13:31
Denga nonyika zvichapfuura asi mashoko yangu yanopfuuraba.
5
Mariko 13:32
Asi kana riri zuva nonguwa yakareyo inoziviwaba nomunhu, kana ngirozi dzokudenga, kana Mwanakomana, asi Baba vega.
6
Mariko 13:7
Muchanzva zvohondo nomarehwarehwa yohondo, regai kuvhunduka nokuti zvakarezvo zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kusinati kwasvika.
7
Mariko 13:35-37
Rambai mudondogaririra nokuti nguwa inodzoka mwenekachiro womusha munoizivaba, pangave pakati pousiku, mukanganyama kana mangwanani. Kuti areke kundoyerekana wasvika achikuwanai mudoenzera hope. Zvandinokunyairirai imimi ndinoudza vese: Garirirai!”
8
Mariko 13:8
Nyika dzichapandukirana, noumambo huchamukirana, pachava nokugwetedzeka kwonyika munzvimbo dzizinji, pachava nonzara. Kwakareku kuchava kuthanga kwonhamu asi kuguma kunenge kusati kwasvika.
9
Mariko 13:10
Nyaya Idonaka inofanira kuthanga yaparidzihwa marudzi yese.
10
Mariko 13:6
Vazinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ndini Khirisitu,’ vachitsambutsa vazinji.
11
Mariko 13:9
Zvichenjererei nokuti vachakukwirirai kumatare, nokukurovai mumasinagoge. Muchamisiwa pamberi pomadzimambo novatongi nokuda kwangu kuti huve upfakazi kwavari.
12
Mariko 13:22
Nokuti anaKhirisitu vomabhwodo novaporofiti vomabhwodo vachamuka vachiita zviratidzo nozvishamiso kuti kana zvichikwanisika vatsambutse novasaruhwa vacho.
13
Mariko 13:24-25
“Mumazuva yakareyo, mumasure mokutambudzika, zuva richadzimwa, mwedzi uchatadza kuvhenekera, Nyenyedzi dzichambwera kubva kudenga, masimba yokudenga yachagwetedzeka.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo