Mukadzi paadoona kuti haanai kuhwanda, adouya achitetemera, adozviwisira pasi pamberi pache ndokumuudza pamberi povanhu vese chikonzero chaadomubatira, nomaporesehwo yaadoitiwa kabodzinokabodzi. Jesu adobva wati, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa, enda murunyararo.”