Ruka 8:47-48
Ruka 8:47-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo mukadzi akati aona kuti haangavandi, akauya achidedera akasvikowira patsoka dzake. Pamberi pavanhu vose akamuudza kuti sei akanga amubata, uye kuti akanga apora sei pakarepo. Ipapo akati kwaari, “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare.”
Ruka 8:47-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mukadzi akati achiona kuti haana kuvanzika, akauya, achidedera, akazviwisira pasi pamberi pake, akamuudza pamberi pavose kuti akanga amubata nemhaka yei, uye kuti akaporeswa pakarepo. Akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.”
Ruka 8:47-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mukadzi uya paakaona kuti haana kuvandika, akauya achidedera akawira pasi pamberi pake akadura pachena pamberi pavanhuvose, kuti akanga amubatirei, uye kuti akabva aporeswa sei, pakare pakarepo. Jesu akati kwaari, “Mukunda, kutenda kwako kwakuponesa chienda zvako norugare.”
Ruka 8:47-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mukadzi wakati aciʋona kuti haana‐kuʋanzika, akaʋuya, aciɗeɗera, akaɀiwisira pasi pamberi pake, akamuʋudza pamberi paʋose kuti wakaŋga amuɓata nemhaka yei, ʋuye kuti wakaporeswa pakarepo. Akati kwaari: Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.
Ruka 8:47-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)