1
2 Madzimambo 4:2
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBD
Erisha akamuti, “Chiiko chandingakuitirei? Dondiudzaiwo, ko kumba munei chamuchinacho?” Mudzimai uyu akati, “Ini muranda wenyu kumba uku handisisina chokubata, changosara chete kaguchu kamafuta.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
2 Madzimambo 4:1
Mumwe mudzimai womumwe wavaporofita akachema kuna Erisha achiti, “Ini muranda wenyu murume wangu akafa. Sezvamunongoziva wani muranda wenyu iyeyo aiva munhu anotya Tenzi. Asi zvinoka mumwe munhu waakanga ane chikwereti naye auya kuzotora vana vangu vakomana vaviri kuti vave varanda vake.”
3
2 Madzimambo 4:3
Ndokubva ati, “Potererai muchikumbira vamakavakidzana navo vose midziyo, midziyo isina chinhu irege kuva mishomanana.
4
2 Madzimambo 4:4
Mozopinda mumba mozvipfigira musuo murimo iyemi navanakomana venyu moadururira mumidziyo yacho yose. Mudziyo unenge wazara uisei parutivi.”
5
2 Madzimambo 4:6
Kuzoti midziyo yacho yazara akati kumwana wake, “Nditambidzewo mumwe mudziyo.” Mwana akati, “Hapasisina mumwe.” Mafuta aye ndiye gwa kubuda.
6
2 Madzimambo 4:7
Mudzimai uyu akaenda akandoudza munhu waMwari iye akabva ati, “Chiendai mutengese mafuta iwayo muripe zvikwereti zvenyu, imi navanakomana venyu munozoraramiswa nezvinenge zvasara.”
7
2 Madzimambo 4:5
Saizvozvo mudzimai uyu akabva pana Erisha akandozvipfigira mumba iye navanakomana vake. Iye aiadururiramo vana vake vachimutambidza midziyo.
8
2 Madzimambo 4:34
Akakwirapo, akatsivama pamusoro pomwana uyu akaisa muromo pamuromo wake, maziso pamaziso ake, maoko akaaisa pamaoko ake. Paakanga akatsivama pamusoro pake kudaro, muviri womwana wakatanga kudziya.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo