Genesi 2

2
1Denga nenyika zvikapera saizvozvo, nouzhinji hwazvo. 2Mwari akapedza basa rake raakaita nomusi wechinomwe; akazorora nomusi wechinomwe pabasa rake rose raakaita. 3Mwari akaropafadza musi wechinomwe, akauita mutsvene; nokuti akazorora nawo pabasa rake rose, raakanga asika nokuita iye Mwari.
Kusikwa kwavanhu vokutanga nokuiswa kwavo muEdheni
4Ndiko kuvamba kwedenga nenyika, musi wazvakasikwa: Nezuva iroro Jehovha Mwari raakasika naro nyika nedenga, 5makwenzi esango akanga achigere kuvapo panyika, nemiriwo yesango yakanga ichigere kumera; nokuti Jehovha Mwari akanga asati anaisa mvura panyika, uye kwakanga kusina munhu kuzorima pasi; 6asi mhute yaisikwira ichibva panyika ichinyorevesa nyika yose.
7Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.
8Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu aakanga aumba. 9Jehovha Mwari akameresa pasi miti yose inofadza meso, neyakanaka kudya; uye muti woupenyu pakati pomunda, nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa. 10MuEdheni mukabuda rwizi kuzodiridza munda uyo, rukaparadzana ipapo, dzikaita hova ina. 11Zita rorwokutanga ndiPishoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeHavhira, pane ndarama ipapo; 12ndarama yenyika iyoyo yakanaka; uyewo pane dheriumu nebwe reonikisi. 13Zita rorwizi rwechipiri ndiGihoni; ndirwo runopoteredza nyika yose yeKushi. 14Zita rorwizi rwechitatu ndiHedhekeri, ndirwo runoyerera kumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15Jehovha Mwari akatora munhu, akamuisa mumunda weEdheni, kuti aurime nokuuchengeta. 16Jehovha Mwari akaraira munhu achiti, “Ungadya hako miti yose yomunda, 17asi muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa usaudya; nokuti nomusi waunoudya, uchafa zviro kwazvo.”
18Jehovha Mwari akatizve, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari woga; ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.” 19Jehovha Mwari akaumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api; zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo. 20Munhu akatumidza zvipfuwo zvose mazita, neshiri dzedenga, nemhuka dzose dzesango; asi kwakashaikwa mubatsiri akamukwanira iye munhu.
21Ipapo Jehovha Mwari akavatisa munhu hope huru, akavata; akatora rumbabvu rwake rumwe, akadzivira nyama panzvimbo yarwo. 22Norumbabvu urwo Jehovha Mwari rwaakatora pamunhu, akaita mukadzi narwo, akamuisa kumunhu.
23Munhu akati, “Zvino uyu ipfupa ramapfupa angu, nenyama yenyama yangu, uchatumidzwa Mukadzi, nokuti wakabviswa paMurume.”
24Naizvozvo munhu anofanira kusiya baba vake namai vake, anamatire mukadzi wake, vave nyama imwe. 25Vose vari vaviri vakanga vasina kusimira, munhu nomukadzi wake, asi havana kunyara.

Одоогоор Сонгогдсон:

Genesi 2: SNA2002

Тодруулга

Хуваалцах

Хувилах

None

Тодруулсан зүйлсээ бүх төхөөрөмждөө хадгалмаар байна уу? Бүртгүүлэх эсвэл нэвтэрнэ үү

YouVersion нь таны хэрэглээг хувийн болгохын тулд күүки ашигладаг. Манай вэбсайтыг ашигласнаар та манай Нууцлалын бодлогод заасны дагуу күүки ашиглахыг зөвшөөрч байна