Mavambo 2

2
1Uku ndiko kupera kwakaita kusikwa kwedenga napasi nezvinhu zvose zvirimo. 2Musi wechinomwe Mwari akanga apedza basa rake raakaita. Akazorora musi wechinomwe pabasa rose raaiita, akasabata basa. 3Mwari akakomborera zuva rechinomwe akarieresa nokuti pazuva irori Mwari akazorora pabasa rake rose raakaita rokusika. 4Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi.
Bindu reEdheni
Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga, 5pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo. 6Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose.
7Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu.
8Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba. 9Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa.
10Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina. 11Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama. 12Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi. 13Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi. 14Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete. 16Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu. 17Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.”
18Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.” 19Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo. 20Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye.
21Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo. 22Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu.
23Adhamu akati,
“Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu,
nyama yomuviri wangu chaiyo.
Achanzi munhukadzi,
nokuti akatorwa pamunhurume.”
24Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete. 25Izvozvi murume nomukadzi wake vose vari vaviri vakanga vasina kusimira asi vakanga vasinganyarani.

S'ha seleccionat:

Mavambo 2: SCLBD

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió

YouVersion utilitza galetes per personalitzar la teva experiència. En utilitzar el nostre lloc web, acceptes el nostre ús de galetes tal com es descriu a la nostra Política de privadesa