Mavambo 3

3
Kutadza kwomunhu
1Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ”
2Mukadzi akati, “Isu tingadye zvedu michero yose yemiti iri mubindu. 3Asi Mwari akati musadye muchero womuti uri pakati pebindu, kana kuubata zvako nokuti mungafe.”
4Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa! 5Chiripo ndechichi, Mwari anoziva kuti, musi wamunodya muchero iwoyo, meso enyu anopengenutswa, mobva mafanana naMwari, moziva zvakanaka nezvakaipa.”
6Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo. 7Pakarepo meso avo, vose vari vaviri, akapengenuka, vakaziva kuti havana kusimira. Vakasonanidza mashizha omuonde vachizvigadzirira zvokupfeka.
8Ava manheru kwotonhorera vakanzwa Mwari Tenzi achifamba-famba zvake mubindu, Adhamu nomukadzi wake vakahwanda Mwari Tenzi mukati memiti yomubindu imomo. 9Asi Mwari Tenzi akadaidza Adhamu achiti, “Uri kupiko?”
10Adhamu akati, “Ndanzwa kufamba kwamanga muchiita mubindu ndikatya nokuti handina kusimira, ndokubva ndahwanda.”
11Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?”
12Adhamu akati, “Mukadzi wamakandipa kuti ndive naye, ndiye andipa muchero womuti iwoyo ndikadya.”
13Mwari Tenzi akabvunza mukadzi achiti, “Chii chawaita ichochi?” Mukadzi akati, “Nyoka ndiyo yandifurira ndikabva ndadya.”
Kurangwa kwomunhu naMwari
14Mwari Tenzi akataurira nyoka kuti,
“Pamusana pezvawaita izvozvi,
wapinda rushambwa pazvipfuwo zvose
nemhuka dzose dzesango.
Uchafamba nedumbu rako
uchidya guruva, upenyu hwako hwose.
15Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi
napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako,
chizvarwa chake chichapwanya musoro wako,
iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
16Kumukadzi, Mwari akati,
“Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo,
paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana.
Uchagara wakapanga murume wako,
iye ari wokukutonga.”
17Kuna Adhamu, Mwari akati,
“Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako,
ukadya muti wandakati usadye;
nyika yapinda rushambwa pamusana pako,
chokudya chako kuti uchiwanewo panyika,
uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose.
18Nyika ichamera minzwa norukato.
Iwe uchadya zvokudya zvomusango.
19Chokudya chako chichava chedikita
kudzamara wadzokera muvhu,
nokuti wakabva kuivhu,
uri vhu,
uchadzokerazve kuivhu.”
20Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose. 21Mwari Tenzi akaitira Adhamu nomukadzi wake nguwo dzamatehwe ndokuvapfekedza.
Adhamu naEvha vanodzingwa mubindu
22Mwari Tenzi akati, “Chionaika, munhu afanana nesu, ava kuziva zvakanaka nezvakaipa. Zvino angadaro akatanha michero yomuti woupenyu akadya akararama nokusingaperi.” 23Naizvozvo Mwari Tenzi akamudzinga mubindu reEdheni kuti andorima muvhu muya maakabva. 24Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.

S'ha seleccionat:

Mavambo 3: SCLBD

Subratllat

Comparteix

Copia

None

Vols que els teus subratllats es desin a tots els teus dispositius? Registra't o inicia sessió

YouVersion utilitza galetes per personalitzar la teva experiència. En utilitzar el nostre lloc web, acceptes el nostre ús de galetes tal com es descriu a la nostra Política de privadesa