1
Mariko 10:45
KoreKore Bible Translation
KBT
Nokuti naiyewo Mwanakomana woMunhu haanai kuuya kudzoshumihwa asi kudzoshumira nokupasa upenyu hwache kuti ruve rudzikinuro rovazinji.”
Compara
Explorar Mariko 10:45
2
Mariko 10:27
Zvino Jesu adovanangara ndokuti, “Kuvanhu, zvinokwanisikaba, asi naMwari zvinokwanisika.”
Explorar Mariko 10:27
3
Mariko 10:52
Jesu adoti kwaari, “Kutenda kwako kwakuporesa, chienda.” Kabodzi nokabodzi adoona, ndokumutevera munziramo.
Explorar Mariko 10:52
4
Mariko 10:9
Saka chabatanidziwa naMwari mbaparege kudzova nomunhu anochikwachanura.”
Explorar Mariko 10:9
5
Mariko 10:21
Ipopo Jesu adomunangara achibva wamuda, ndokuti kwaari, “Wasarihwa nochibodzi, enda wotengesa zvaunazvo zvese, wopasa varombo, ipopo unenge wava nopfuma kudenga, wouya wonditevera.”
Explorar Mariko 10:21
6
Mariko 10:51
Jesu adoti kwaari, “Chii chaunoda kuti ndikuitire?” Rombe ridoti, “Mudzidzisi ndinoda kuti ndione.”
Explorar Mariko 10:51
7
Mariko 10:43
Manje izvozvo ndizvoba zvazvinofanira kuva pakati penyu, wese achava mukuru pakati penyu anofanira kushandira abiyache.
Explorar Mariko 10:43
8
Mariko 10:15
Ndinokuudzai chokwadi, wese asingatambire umambo hwaMwari semwana mudiki, anopindaba mahuri.
Explorar Mariko 10:15
9
Mariko 10:31
Asi vazinji vari vokuthanga vachava vokupedzisira, novokupedzisira vachava vokuthanga.”
Explorar Mariko 10:31
10
Mariko 10:6-8
Asi kubva pakusikiwa, Mwari adovaita murume nomukadzi. Nochikonzero chakarecho murume achasiya baba vache namaache (anamatirane nomukadzi wache). Vairi vakarevo vachava nyama ibodzi. Saka vanenge vachiriba vairi asi nyama ibodzi.
Explorar Mariko 10:6-8