1
Mariko 11:24
KoreKore Bible Translation
KBT
Nokudaro ndinoti kwamuri, chese chamunoda mukachinamatira nokutenda kuti matochitambira, muchachiwana.
Compara
Explorar Mariko 11:24
2
Mariko 11:23
Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu upi zvache anoti kugomo iri ‘Birika uende kombwerera mugungwa, asingatsakidze mumwoyo make, asi achitenda kuti zvaataura zvichaitika, zvinoitika sekutaura kwache.
Explorar Mariko 11:23
3
Mariko 11:25
Futi pese paunonamata, kana pano adokutadzira, muregerere kuitira kuti Baba vako vokudenga vakuregererewo zvitadzo zvako.”
Explorar Mariko 11:25
4
Mariko 11:22
Jesu adovapindura achiti, “Ivai nokutenda muna Mwari.
Explorar Mariko 11:22
5
Mariko 11:17
Asi adodzidzisa vanhu achiti, “Mumagwaro mudonyohwa kuti ‘imba yaMwari yangu ichanzi imba yokunamatira yomarudzi yese’ asi imimi matoiita bako romakororo.”
Explorar Mariko 11:17
6
Mariko 11:9
Vanga vadotungamira novaitevera mumasure vaidaidzira vachiti, “Hozana! Adokomborehwa iye anouya muzita raIshe.
Explorar Mariko 11:9
7
Mariko 11:10
Hudokomborehwa umambo huri kuuya hwababa vedu Dhavhiti, Hozana kumusorosoro!”
Explorar Mariko 11:10