1
Ezekieri 34:16
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ndichatsvaka akarasika ndigodzosa akatetereka. Ndichasunga akakuvara ndigosimbisa asina simba, asi akakora neane simba ndichaaparadza. Ndichafudza boka nokururamisira.
موازنہ
تلاش Ezekieri 34:16
2
Ezekieri 34:12
Somufudzi anofudza makwai ake akapararira paanenge anawo, saizvozvo neni ndichafudza makwai angu. Ndichaarwira kubva panzvimbo dzose dzaanga akapararira pazuva ramakore nerima.
تلاش Ezekieri 34:12
3
Ezekieri 34:11
“ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ini pachangu ndichazvitsvakira makwai angu ndigoafudza.
تلاش Ezekieri 34:11
4
Ezekieri 34:15
Ini pachangu ndichafudza makwai angu nokuavatisa pasi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
تلاش Ezekieri 34:15
5
Ezekieri 34:31
Imi makwai angu, makwai amafuro angu, muri vanhu, uye ini ndiri Mwari wenyu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
تلاش Ezekieri 34:31
6
Ezekieri 34:2
“Mwanakomana womunhu, profita pamusoro pavafudzi vaIsraeri; profita uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Vane nhamo vafudzi vaIsraeri vanongova nehanya yokuzvifudza pachavo! Ko, vafudzi havafaniri kufudza makwai here?
تلاش Ezekieri 34:2