1
Ezekieri 33:11
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Uti kwavari, ‘Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handitongofariri rufu rwowakaipa, asi kuti vatendeuke kubva panzira dzavo vagorarama. Tendeukai! Tendeukai pazvakaipa zvenyu! Muchafireiko, imi imba yaIsraeri?’
موازنہ
تلاش Ezekieri 33:11
2
Ezekieri 33:7
“Mwanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; saka inzwa shoko randinotaura ugovaudza yambiro inobva kwandiri.
تلاش Ezekieri 33:7
3
Ezekieri 33:9
Asi iwe kana ukanyevera munhu wakaipa uyu kuti adzoke kubva panzira dzake, iye akasaita izvozvo, achafa nokuda kwechivi chake, asi iwe unenge waponesa upenyu hwako.
تلاش Ezekieri 33:9
4
Ezekieri 33:6
Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’
تلاش Ezekieri 33:6
5
Ezekieri 33:5
Sezvo akanzwa kurira kwehwamanda asi akashaya hanya, ropa rake richava pamusoro wake. Dai akateerera kunyeverwa, angadai akaponesa upenyu hwake.
تلاش Ezekieri 33:5