Kubuda 10:21-23
Kubuda 10:21-23 SCLBD
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudzira ruoko rwako mudenga kuti muIjipiti muve nerima rakati kwindindi.” Mosesi akasimudzira ruoko rwake kudenga, rima guru ndokufukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu. Ipapo vaIjipiti vakanga vasisaonani. Hakuna munhu akaedza kubuda mumba make pamazuva iwayo ose. Asi kwaiva navaIsiraeri kwakanga kuine chiedza.