1
Mariko 13:13
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Uye muchazovengwa navanhu vose pamusana pangu. Uyo anotsungarara kusvikira kumagumo ndiye achaponeswa.
Linganisha
Chunguza Mariko 13:13
2
Mariko 13:33
Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini.
Chunguza Mariko 13:33
3
Mariko 13:11
Kana voenda nemi, vava kundokukwidzai pamatare, musazvinetse nezvokuti muchazondotaurei; asi zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, taurai izvozvo, nokuti hamusirimi munenge motaura asi Mweya Mutsvene.
Chunguza Mariko 13:11
4
Mariko 13:31
Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri.
Chunguza Mariko 13:31
5
Mariko 13:32
“Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga.
Chunguza Mariko 13:32
6
Mariko 13:7
Kana monzwa zvehondo namarehwarehwa ehondo musanyanye kutya. Izvi zvinofanira kuti zviitike, asi magumo anenge asati asvika.
Chunguza Mariko 13:7
7
Mariko 13:35-37
Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani. Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira. Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.”
Chunguza Mariko 13:35-37
8
Mariko 13:8
Rudzi ruchamukirana norumwe rudzi noumambo huchamukirana nohumwe umambo; kuchava nokudengendeka kwapasi, munzvimbo dzakasiyana–siyana; kuchava nedzinzara. Iri rinenge riri romoromo chete ramatambudziko okusununguka.
Chunguza Mariko 13:8
9
Mariko 13:10
Shoko Rakanaka rinofanira kuti ritange raparidzwa kumarudzi ose.
Chunguza Mariko 13:10
10
Mariko 13:6
Kuna vazhinji vachauya muzita rangu vachiti, ‘Ini ndini iye,’ vachirasisa vazhinji.
Chunguza Mariko 13:6
11
Mariko 13:9
Asi imi zvingwarirei nokuti vachakukwidzai pamatare, uye mucharohwa mumasinagogu; muchamira pamberi pavatongi namadzimambo pamusana pangu kuti chive chapupu kwavari.
Chunguza Mariko 13:9
12
Mariko 13:22
Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka.
Chunguza Mariko 13:22
13
Mariko 13:24-25
“Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa.
Chunguza Mariko 13:24-25
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video