1
Mabasa 5:29
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Asi Pita navapositori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari panokuteerera vanhu.
Linganisha
Chunguza Mabasa 5:29
2
Mabasa 5:42
Zuva nezuva, muTemberi nomudzimba, havana kumira kudzidzisa nokuparidza kuti Jesu ndiye Mesia.
Chunguza Mabasa 5:42
3
Mabasa 5:3-5
Asi Pita akati, “Nhai Ananiya wapindwa sei naSatani kudai kuti ureve nhema kuna Mweya Mutsvene uchizvichengetera chimwe chikamu chomutengo womunda? Pawakanga usati watengeswa wakanga usiri wako here uye pawakanga watengeswa mari yacho yakanga isiri mumaoko ako here? Ko zvaita seiko kuti ufunge kuita izvi mumwoyo mako? Hauna kurevera munhu nhema asi Mwari.” Ananiya paakanzwa mazwi aya akawira pasi akabva afa. Vanhu vose vakazvinzwa vakatya zvikuru.
Chunguza Mabasa 5:3-5
4
Mabasa 5:38-39
Pane zvanhasi izvi, ndinoti kwamuri, siyanai navanhu ava, varegei. Kana urongwa uhu nezvavari kuita zviri zvavanhu zvichakundikana asi kana zviri zvaMwari hamumbokwanisa kuvaparadza. Pamwe mungatowanikwa mavakurwisana naMwari.”
Chunguza Mabasa 5:38-39
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video