1
1 Vakorinde 9:25-26
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
SCLBC
Mumhanyi wose anozvibata muna zvose. Vanozviita kuti vawane ndaza inoparara asi isu tinozviitira ndaza isingaparari. Saka handingomhanya chimhanyemhanye. Handirove zvibhakera somunhu anorova mhepo.
Linganisha
Chunguza 1 Vakorinde 9:25-26
2
1 Vakorinde 9:27
Ndinorova muviri wangu ndichiutonga ndichiitira kuti ndirege kuraswa, ini ndakamboparidzira vamwe.
Chunguza 1 Vakorinde 9:27
3
1 Vakorinde 9:24
Hamuzivisu kuti pamakundano okumhanya vamhanyi vose vanokwikwidzana asi mumwechete ndiye anowana mubayiro? Saizvozvo mhanyai kuti muuwane.
Chunguza 1 Vakorinde 9:24
4
1 Vakorinde 9:22
Kuna vasina simba ndakava munhu asina simba kuti ndiwane vasina simba. Ndakava zvinhu zvose kuna vose kuti napose pandinogona, ndinunure vamwe vavo.
Chunguza 1 Vakorinde 9:22
Nyumbani
Biblia
Mipango
Video