Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Bhaibheri Re VanaChikamu

Bhaibheri Re Vana

DAY 8 OF 8




Nyaya dze mu Bhaibheri dzinotiwudza zvekushamisa kwaMwari Musiki wedu uyo anoda kuti umuzive.

Mwari anoziva kuti tese takaita zvakaipa, izvo zvaanoti zvitema. Mubairo wechitema ndirwo rufu, asi Mwari anokuda kwazvo, akatuma mwana wake, Jesu, kukufira pamuchinjikwa uye akatambudziwa nemhaka yako. Jesu akafa akumuka, akadzokera kumusha kudenga! Kana uchitenda muna Jesu uye ukakumbira kuregererwa anokuregerera zvitema zvako, Anokuregerera! Achauya kuzogara mumoyo mako. Achagara mauri. Newe ugogara maari mazuva namazuva.

Kana uchitenda kuti ichi ichokwadi, taura kuna Mwari uchiti Mudiwa Jesu, ndinotenda kuti ndimi Mwari, uye makauya semunhu panyika kuzofira zvitema zvangu, uye murikurarama. Huyai mumoyo mangu mundiregere zvitema zvangu, kuti ndive heupenyu hutsva, uye nerimwe zuva ndigogara nemi nekusingaperi. Ndibatsirei kuti ndikuteerereyi, ndirarame semwana wenyu. Ameni.

Verengayi Bhaibheri nekutaura ne Mwari mazuva ese.

Zuva 7

About this Plan

Bhaibheri Re Vana

Zvose zvakatanga sei? Takabva kupi? Sei kune matambudziko akawanda munyika? Pane tariro here? Kune hupenyu pashure porufu here? Tsvaga mhinduro apo iwe uchiverenga ino nhoroondo yechokwadi yenyika.

Tinoda kutenda Bible for Children, Inc. nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://bibleforchildren.org/languages/shona/stories.php

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy