Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Bhaibheri Re VanaChikamu

Bhaibheri Re Vana

DAY 5 OF 8




Jesu akaita minana yakawanda. Minana yakanga iri chiratidzo chokuti mwana waMwari. Munana wekutanga wakaitika kumuchato. Pakanga pasina waini yaikwana munhu wese akanga aripo.

Maria, amai vaJesu vakaudza Jesu zvakanga zvichinetsa, ndokubva varaira vadzidzi kuti vateerere zvose zvinotaurwa naJesu.

Jesu akati, “Zadzai makate nemvura.” Vakubvunza vakati, “Mvura here?” Hongu, Jesu akanga akumbira kuti vazadze makate nemvura.

Jesu akariyaria mudzidzi wake kuti atore gate kuti vanhu vakanga vaine muchato vamwe. Mvura yakanga yaita waini. Waini yemhando yepamusoro uye yainaka.

Vadzidzi vakashamisika. Jesu akanga ashandura mvura kuti ive waini. Mwari chete aikwanisa kuita minana yakadai.

Jesu akaita imwe minana. Umwe usiku, Jesu nevadzidzi vake vakaenda kumba kwaPetro. Amai vomukadzi waPetro vakanga vachirwara.

Jesu akabata maoko omukudzi akanga achirwara. Mushure menguva, vakaporeswa. Vakamuka ndokushandira Jesu nevadzidzi vake.

Zvichida guta rose rakauya kuna Jesu manheru aya. Vanhu vakanga vachirwara vakauya-mapofu, vakanga vasinganzwi kana kutaura pamwe nevakanga vakaremara. Kunyange vanhu vakanga vaine madhimoni vakauya kuna Jesu. Jesu aikwanisa here kubatsira vanhu vose ava?

Jesu, mwanakomana waMwari aikwanisa kubatsira. Hongu, Jesu akabatsira. Vanhu vakauya kwaari vakaporeswa. Vose vakanga vakaremara vakakwanisa kufamba nekumhanya.

Vamwe vakanga vaine maperembudzi vakauya kuna Jesu. Jesu akavaporesa zvakare.

Varume nevakadzi vakanga vaine madhimoni vakauya kuna Jesu. Akarayira madhimoni kuti aenda. Madhimoni akaenda, vanhu vakasara nemufaro.

Pakati pevanhu vazhinji, varume vana vakaedza kuti shamwari yavo isvike kuna Jesu. Asi Havana kukwanisa kusvika pedo. Vakanga vachaita sei?

Varume vana vakatakura shamwari yavo vakamuisa pamusoro peimba, ndokumudzikisa kuti apinde mumba. Naizvozvo akanga asvika pedo naJesu.

Jesu akaona kuti varume vana vakanga vaine kutenda. Akati kumurume akanga achirwara, “Zvitadzo zvako zvaregererwa. Tora nhovo dzako ufambe.” Murume akasimuka achibva afamba. Jesu akanga amuporesa.

Mushure maizvozvo, Jesu akapinda muchikepe nevadzidzi vake. Mhepo yakanga yaine samba yakavhuvhuta. Jesu akanga arara. Vadzidzi vakatya vachibva vamutsa Jesu. Vakati, “Ishe tibatsirei. Tinofira pano.”

Jesu akamuka achibva arayira gungwa achiti, “Nyarara ugadzikane.” Vadzidzi vake vakataurirana vakati, “Munhu akaita sei uyu? Mhepo kunyangwe negungwa zvinomuteerera.” Vakatenda kuti Jesu akanga ari mwanakomana waMwari nokuti akanga ataridza ukuru hwake nokuda kweminana, Vadzidzi vake Havana kuziva kuti Jesu akanga achaita imwe minana.

Magumo

Zuva 4Zuva 6

About this Plan

Bhaibheri Re Vana

Zvose zvakatanga sei? Takabva kupi? Sei kune matambudziko akawanda munyika? Pane tariro here? Kune hupenyu pashure porufu here? Tsvaga mhinduro apo iwe uchiverenga ino nhoroondo yechokwadi yenyika.

Tinoda kutenda Bible for Children, Inc. nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: https://bibleforchildren.org/languages/shona/stories.php

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy