Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Makoronike 22:5-10

1 Makoronike 22:5-10 BDSC

Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa uye inokudzwa kwazvo pamberi pendudzi dzose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa. Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba. Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu. Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake. Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.’