1 Nhoroondo 22:5-10
1 Nhoroondo 22:5-10 SCLB
pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa. Akazodaidza mwanakomana wake Soromoni akamuti anofanira kuvakira Tenzi imba, yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanangu ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu. Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika. Chinzwa, uchabereka mwana mukomana achava munhu worunyararo. Ndichaita kuti ave norugare navavengi vake nokuti zita rake richanzi Soromoni. Ndichapa rugare norunyararo kuIsiraeri mumazuva ake. Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’

