1 Makoronike 22:5-10
1 Makoronike 22:5-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi akati, “Mwanakomana wangu Soromoni mudiki kwazvo uye haasati ava noruzivo, uye imba ichavakirwa Jehovha inofanira kuva huru kwazvo, inorumbidzwa uye inokudzwa kwazvo pamberi pendudzi dzose. Saka ndichaigadzirira.” Saka Dhavhidhi akagadzirira zvikuru kwazvo asati afa. Ipapo akadana mwanakomana wake Soromoni akamurayira kuti avake imba yaJehovha, Mwari weIsraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanakomana wangu zvaiva mumwoyo mangu kuti ndivakire Zita raJehovha Mwari wangu imba. Asi shoko iri raJehovha rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa zhinji uye ukarwa hondo dzakawanda. Iwe haungavakiri Zita rangu imba, nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo pamberi pouso hwangu. Asi uchava nomwanakomana achava murume worugare nokuzorora, uye ndichamupa zororo kubva kuvavengi vake kumativi ose. Zita rake achanzi Soromoni uye ndichapa Israeri runyararo norugare panguva yokutonga kwake. Iyeye ndiye achavakira Zita rangu imba. Achava mwanakomana wangu uye ini ndichava baba vake. Uye ndichasimbisa chigaro choumambo hwake pamusoro peIsraeri nokusingaperi.’
1 Makoronike 22:5-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhavhidhi akati, “Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira.” Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa. Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari waIsiraeri imba. Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba. Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, ‘Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu; asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nokuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake; iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.’
1 Makoronike 22:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
pamusana pokuti Dhavhidhi aiti, “Mwanangu Soromoni uyu achiri muduku haasati agara nebasa, zvino imba yacho iyi ichavakirwa Tenzi inofanira kuva imba chaiyo yamandiriri, idhume mbiri nomukurumbira nyika yose. Naizvozvo ndichafanoigadzirira.” Nokudaro Dhavhidhi akaunganidza mirwi nemirwi yezvinhu zvokuvakisa asati afa. Akazodaidza mwanakomana wake Soromoni akamuti anofanira kuvakira Tenzi imba, yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Dhavhidhi akati kuna Soromoni, “Mwanangu ndakanga ndine pfungwa mumwoyo mangu yokuvaka imba yokuisa zita raTenzi, Mwari wangu. Asi shoko raTenzi rakauya kwandiri richiti, ‘Wakadeura ropa rakawanda ukarwa hondo dzakakura saka iwe haufaniri kundivakira imba yokuisa zita rangu nokuti wakadeura ropa rakawanda kwazvo mumeso mangu panyika. Chinzwa, uchabereka mwana mukomana achava munhu worunyararo. Ndichaita kuti ave norugare navavengi vake nokuti zita rake richanzi Soromoni. Ndichapa rugare norunyararo kuIsiraeri mumazuva ake. Ndiye achavaka imba yokuisa zita rangu. Achava mwana kwandiri ini ndiri baba kwaari. Ndichaita kuti umambo hwake hudzike midzi muIsiraeri narini wose.’
1 Makoronike 22:5-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Davidi akati: Soromoni mŋanakomana waŋgu uciri muɗuku usinesimba, ʋuye imba, inofanira kuʋakirwa Jehova, inofanira kuʋa huru kwaɀo, iŋgarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndicaigadzirira. Naiɀoɀo Davidi akagadzira ɀizhinji asati afa. Ipapo akaɗana Soromoni mŋanakomana wake, akamuraira kuti aʋakire Jehova Mŋari waIsraeri imba. Davidi akati kunaSoromoni mŋanakomana wake: Kana ndirini, ndakaŋga ndiciti mumŋoyo maŋgu ndicaʋakira zita raJehova Mŋari waŋgu imba. Asi shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: Iwe wakateʋura ropa rakawanda, ʋuye wakarwa ɀizhinji; iwe hauŋgaʋakiri zita raŋgu imba, nokuti wakateʋura ropa rakawanda panyika pamberi paŋgu; asi tarira, ucaɓerekerwa mŋanakomana, ucaʋa munhu wezororo; ndicamuzorodza paʋaʋeŋgi ʋake ʋose ʋanomupoteredza; nokuti zita rake ricanzi Soromoni, ndicapa Israeri rugare nokunyarara pamazuʋa ake; iye ucaʋakira zita raŋgu imba; iye ucaʋa mŋanakomana waŋgu, neni ndicaʋa ɓaɓa ʋake; ini ndicasimbisa cigaro cake coʋushe pakati paIsraeri nokusiŋgaperi.
1 Makoronike 22:5-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)