1 Makoronike 22:5-10
1 Makoronike 22:5-10 SNA2002
Dhavhidhi akati, “Soromoni mwanakomana wangu achiri muduku asine simba, uye imba, inofanira kuvakirwa Jehovha, inofanira kuva huru kwazvo, ingarumbidzwa nokukudzwa panyika dzose; saka ini ndichaigadzirira.” Naizvozvo Dhavhidhi akagadzira zvizhinji asati afa. Ipapo akadana Soromoni mwanakomana wake, akamuraira kuti avakire Jehovha Mwari waIsiraeri imba. Dhavhidhi akati kuna Soromoni mwanakomana wake, “Kana ndirini, ndakanga ndichiti mumwoyo mangu ndichavakira zita raJehovha Mwari wangu imba. Asi shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, ‘Iwe wakateura ropa rakawanda, uye wakarwa zvizhinji; iwe haungavakiri zita rangu imba, nokuti wakateura ropa rakawanda panyika pamberi pangu; asi tarira, uchaberekerwa mwanakomana, achava munhu wezororo; ndichamuzorodza pavavengi vake vose vanomupoteredza; nokuti zita rake richanzi Soromoni, ndichapa Isiraeri rugare nokunyarara namazuva ake; iye achavakira zita rangu imba; iye achava mwanakomana wangu, neni ndichava baba vake; ini ndichasimbisa chigaro chake choushe pakati paIsiraeri nokusingaperi.’

