Nziyo 85:9-12
Nziyo 85:9-12 SCLB
Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu. Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana. Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga. TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.

