Mapisarema 85:9-12
Mapisarema 85:9-12 SNA2002
Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedyo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu. Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana. Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.

