Mapisarema 85:9-12
Mapisarema 85:9-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya, kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu. Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete; kururama norugare zvinosvetana. Kutendeka kunomera panyika, kururama kunotarira pasi kuri kudenga. Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka, uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
Mapisarema 85:9-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirokwazvo kuponesa kwake kuri pedyo navanomutya; Kuti kubwinya kugare munyika yedu. Ngoni nezvokwadi zvakasangana; Kururama norugare zvakatsvodana. Zvokwadi zvinomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kudenga. Zvirokwazvo, Jehovha uchapa zvinhu zvakanaka; Nyika yedu ichabereka zvibereko zvayo.
Mapisarema 85:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hongu ruponeso rwake rwuri padyo kuna vanomutya; mbiri yokuvapo kwake ichagara munyika medu. Mwoyochena nokutendeka zvichasangana, ururami norugare zvichambundirana. Kutendeka kuchakura kuchibva pasi; ururami huchatarisa pasi huri kudenga. TENZI achapawo zvakanaka; nyika yedu ichaberekawo zvakawanda.
Mapisarema 85:9-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀirokwaɀo kuponesa kwake kuri pedyo naʋanomutya; Kuti kubginya kugare munyika yeɗu. Ŋgoni neɀokwaɗi ɀakasoŋgana; Kururama norugare ɀakaȿetana. Ɀokwaɗi inomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kuɗeŋga. Ɀirokwaɀo, Jehova ucapa ɀinhu ɀakanaka; Nyika yeɗu icaɓereka ɀiɓereko ɀayo.
Mapisarema 85:9-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)