Mapisarema 85:9-12
Mapisarema 85:9-12 SUB1949
Ɀirokwaɀo kuponesa kwake kuri pedyo naʋanomutya; Kuti kubginya kugare munyika yeɗu. Ŋgoni neɀokwaɗi ɀakasoŋgana; Kururama norugare ɀakaȿetana. Ɀokwaɗi inomera pasi; Kururama kwakatarira pasi kuri kuɗeŋga. Ɀirokwaɀo, Jehova ucapa ɀinhu ɀakanaka; Nyika yeɗu icaɓereka ɀiɓereko ɀayo.

