Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 3:16-23

Danieri 3:16-23 SUB1949

Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo.

Verenga chikamu Danieri 3