Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:16-23

Dhanieri 3:16-23 SCLB

Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.

Verenga chikamu Dhanieri 3