Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 3:16-23

Dhanieri 3:16-23 SNA2002

Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.

Verenga chikamu Dhanieri 3