Dhanieri 3:16-23
Dhanieri 3:16-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
Dhanieri 3:16-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura, vakati kuna mambo, “Imi Nebhukadhinezari, hatingafaniri hedu kukupindurai pamusoro peshoko iri. Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira angagona kutirwira pavira romoto unopfuta kwazvo; iye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.” Ipapo Nebhukadhinezari akatsamwa kwazvo, chiso chake chikashandukira Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego; akataura akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Akarayira vamwe varume vane simba guru vaiva pahondo yake, kuti vasunge Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vavawisire muvira romoto unopfuta kwazvo. Ipapo varume avo vakasungwa vana majasi avo namabhuruku avo nengowani dzavo nedzimwe nguo dzavo, vakawisirwa mukati mevira romoto unopfuta kwazvo. Zvino murayiro wamambo zvawakanga une hasha, uye vira zvarakanga richipisisa kwazvo, murazvo womoto wakauraya varume vakanga vachiisako Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume ava vatatu, vana Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego, vakawira pasi vakasungwa mukati mevira romoto waipfuta kwazvo.
Dhanieri 3:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakapindura mambo Nebhukadhineza vachiti, “Chatingakupirei mhinduro panyaya iyoyi iyi, hapana. Zvikange zvaitika saizvozvo, Mwari wedu watinonamata anogona kutinunura muvira romoto unopisa ndiye achatinunurawo mumaoko menyu imi mambo. Kunyange, zvazvo akarega kutinunura mochiziva, mambo, kuti hatisi kuzonamata vamwari venyu kunyange kuzopfugamira chifananidzo ichi chamakamisa.” Nebhukadhineza akaviruka nehasha ndokushanduka otsvukisira meso Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Akati moto ukuchidzirwe vira ripise kwazvo kakapetwa kanomwe kupfuura zvarinochiita. Akatuma vamwe varume vaiva magamba chaiwo ehondo yake yavarwi kuti vasunge mbiradzakondo vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego akati vavakande muvira romoto unopisa. Varume ivava vakasungwa vakapfeka hanzu dzavo kudaro nemajasi avo nenguwani dzavo dzoukuruukuru namagemenzi avo nedzimwe hanzu dzavo vakabva vakandwa muvira racho remoto unopisa kwazvo. Pamusana pokuti chirevo chamambo chakanga chakaoma kwazvo, vira rakapoorerwa kwazvo moto, rimi romoto rikauraya varume vaye, magamba vakanga vakatakura Shadhiraki naMeshaki naAbhedhinego. Varume vatatu ivava vanaShadhiraki naMeshaki naAbhedhinego vakawira muvira romoto unopisa vakasungwa kudaro.
Dhanieri 3:16-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakapindura, ʋakati kunamambo: Imi Nebukadnezari, hatiŋgafaniri heɗu kukupindurai pamsoro peshoko iri. Kana ɀikaitika haɀo, Mŋari weɗu watinoshumira uŋgagona kutirwira pacoto comŋoto unopfuta kwaɀo; iye ucatirwira paruʋoko rwenyu, imi mambo. Asi kana ɀikasaitika, ziʋai imi mambo, kuti hatiŋgashumiri ʋamŋari ʋenyu kana kunamata cifananidzo cendarama camakamisa imi. Ipapo Nebukadnezari wakatsamŋa kwaɀo, ciso cake cikashandukira Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego; akataura akaraira kuti coto comŋoto ciʋeserwe mŋoto unopisa kwaɀo kukunda unosiʋeserwa’mo kanomŋe. Akaraira ʋamŋe ʋarume ʋanesimba guru ʋaiʋa pahondo yake, kuti ʋasuŋge Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋaʋawisire mucoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ipapo ʋarume aʋo ʋakasuŋgwa ʋanamajasi aʋo namaburuku aʋo neŋgowani dzaʋo nedzimŋe ŋguʋo dzaʋo, ʋakawisirwa mukati mecoto comŋoto unopfuta kwaɀo. Ɀino murairo wamambo ɀawakaŋga unehasha, ʋuye coto ɀacakaŋga cicipisisa kwaɀo, muraɀo womŋoto wakaʋuraya ʋarume ʋakaŋga ʋaciisa’ko Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego. Ʋarume aʋa ʋatatu, ʋana‐Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego, ʋakawira pasi ʋakasuŋgwa mukati mecoto comŋoto waipfuta kwaɀo.
Dhanieri 3:16-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)