Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi. Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.” Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe. Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo. Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo. Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
Verenga chikamu Dhanieri 3
Terera ku Dhanieri 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Dhanieri 3:16-23
1 Week
Learn what the Bible says about boldness and confidence. The "Courage" Reading Plan encourages believers with reminders of who they are in Christ and in God's kingdom. When we belong to God, we're free to approach Him directly. Read again – or maybe for the first time – assurances that your place in God's family is secure.
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo