1
Mateo 7:7
KoreKore Bible Translation
KBT
“Kumbirai, muchapasiwa, tsvagai, muchawana, gugudzai, muchazururihwa.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Mateo 7:8
Nokuti wese anokumbira anopasiwa, noanotsvaga anowana, noanogugudza anozururihwa.
3
Mateo 7:24
“Saka wese anonzva mashoko yangu yakareya achiyaita achafanana nomumhu adochenjera adovakhira imba yache paruware.
4
Mateo 7:12
Saka zvese zvamunoda kuti vanhu vakuitirei imipa vaitirei zvakarezvo, ndava zvakarezvi ndizvo zvinoreva mutemo novaporofiti.”
5
Mateo 7:14
Nokuti musuwo udosvanika nonzira inonetsa, inoenda kuupenyu, vanoiwana mbashoma.”
6
Mateo 7:13
“Pindai nomusuwo udosvanika, ndava musuwo udophanyuka nonzira idoreruka kutekaira inoenda pakuparadziwa, novanopinda nayo mbazinji
7
Mateo 7:11
Manje kana imipa, vadoipa, muchiziva kupasa zvipo zvidonaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachakungudzitsa peno kupasa zvinhu zvidonaka kuno avo vanovaruvira!
8
Mateo 7:1-2
“Rekai kutonga, kuti imipa mureke kutongewawo, ndava nomutongo wamunotonga nawo abiyenyu ndiwo wamuchatongewawo nawo, nomhimo yamunopima nayo ndiyo yamuchapimihwawo.
9
Mateo 7:26
Nowese anonzva mashoko yangu yakareya asingayaite achafanana nomunhu dzemwa adovakhira imba yache pajecha.
10
Mateo 7:3-4
Sei uchiona kasesu kari muziso rohama yako, asi usingaone danda riri muziso rako? Kana ungati sei kuhama yako, ‘Reka ndikubise kasesu kari muziso rako’ imo muziso mako iwewe muno danda?
11
Mateo 7:15-16
“Chenjererai vaporofiti vomabhwodo, vanouya kwamuri vadosimira matehwe yomahwai asi mukati yari masvitsi yanorungwa. Muchavaziva nozvibereko zvavo. Mazambiringa yanothanziwaba pamwinza, kana huyu pamiti yomwinza.
12
Mateo 7:17
Saka muti wese udonaka unobereka muchero udonaka, asi muti udoipa unobereka muchero udoipa.
13
Mateo 7:18
Muti udonaka unoberekaba muchero udoipa, nomuti udoipa unoberekaba muchero udonaka.
14
Mateo 7:19
Muti wese usingabereke muchero udonaka unotemewa uchikhandiwa mumoto.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo