1
Johwani 14:27
KoreKore Bible Translation
KBT
Ndinokusiirai runyararo, runyararo rangu ndinokupasai. Handikupasei sekupasa kunoita nyika. Mwoyo yenyu mbaireke kutambudzika, futi rekai kucha.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Johwani 14:6
Jesu adoti kwaari, “Ndini nzira, nochokwadi, noupenyu, hapanai anouya kuna Baba, asi nopandiri.
3
Johwani 14:1
“Rekai kutambudzika mumwoyo; tendai muna Mwari, mutendewo mandiri.
4
Johwani 14:26
Asi Mubatsiri, Mweya Mutsvene, achatumiwa naBaba muzita rangu, achakufundisai zvinhu zvese, nokukufungisai zvese zvandidokunyepai.
5
Johwani 14:21
Uyo anomitemo yangu achiichengeta, ndiye chaiye anondida, futi anondida achadiwawo naBaba vangu, nainini ndichamuda futi ndichazvinangidza pachena kwaari.”
6
Johwani 14:16-17
Futi ndichanamata kuna Baba, ivo vachakupasai umwe Mubatsiri, kuti ave naimimi nokusingapere, iye Mweya wochokwadi, asingakone kutambihwa nonyika, ndava haimuone kana kumuziva, imimi munomuziva, ndava anogara naimimi, futi achava mamuri.
7
Johwani 14:13-14
Zvese zvamunokumbira muzita rangu, ndichazviita, kuti Baba vakudziwe muMwanakomana, Kana mukakumbira chinhu chipi zvachene muzita rangu, ndichachiita.”
8
Johwani 14:15
“Kana muchindida, muchachengeta mitemo yangu.
9
Johwani 14:2
Mumba maBaba vangu muno nzvimbo dzizinji, dai zvisinai kudaro, ndaikunyepai nai kuti ndinoenda kokunhadzirirai nzvimbo?
10
Johwani 14:3
Futi kana ndaenda kokunhadzirirai nzvimbo, ndinodzoka pakare kokutorai, kuti muvewo pandinenge ndiri.
11
Johwani 14:5
Thomasi adoti kwaari, “Ishe, tinozivaba kwamuri kuenda, ko tingazive tini nzira?”
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo