1
VaGaratia 6:9
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
BDSC
Ngatiregei kuneta pakuita zvakanaka, nokuti nenguva yakafanira tichakohwa kana tisingaori mwoyo.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
VaGaratia 6:10
Naizvozvo, zvatine mukana, ngatiitei zvakanaka kuvanhu vose, zvikuru kuna avo vari mumhuri yavatendi.
3
VaGaratia 6:2
Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.
4
VaGaratia 6:7
Musanyengerwa: Mwari haasekwi. Munhu anokohwa zvaanodyara.
5
VaGaratia 6:8
Anodyarira nyama yake, achakohwa kuparadzwa kunobva panyama iyoyo; uyo anodyarira mweya, achakohwa upenyu husingaperi hunobva paMweya iwoyo.
6
VaGaratia 6:1
Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwawo.
7
VaGaratia 6:3-5
Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise nomumwe munhuwo, nokuti mumwe nomumwe anofanira kutakura mutoro wake.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo