1
Kuverengwa 21:8
Bhaibhiri Idzva rechiShona
SCLB
Tenzi ndokutaurira Mosesi achiti, “Pfura nyoka inouturu hunopisa somoto, uiturike pabango, saka ani naani anenge arumwa, kana akatarisa nyoka yaunopfura, achararama.”
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
Kuverengwa 21:9
Mosesi akapfura nyoka yendarira akaiturika pabango. Naizvozvo ani naani ainge arumwa, aiti akangotarisa nyoka yendarira obva ararama.
3
Kuverengwa 21:5
vakanyunyutira Mwari naMosesi vachiti, “Ko makatiburitsireiko kuIjipiti? Heya maida kuti tifire mugwenga muno! Hamuna chokudya kana mvura. Tafinhwa notuchingwa utwu tusina maturo!”
4
Kuverengwa 21:6
Tenzi akatumira vaIsiraeri nyoka dzinouturu hunopisa somoto, dzikavaruma, vanhu vazhinji veIsiraeri vakafa.
5
Kuverengwa 21:7
Vanhu vakauya kuna Mosesi vakati, “Takatadza nokuti takanyunyutira Tenzi nemi. Tinamatireiwo kuna Tenzi kuti atibvisire nyoka idzi.” Naizvozvo Mosesi ndokuvakumbirira.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo